Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votora Chigaro cheSADC MDC Ichugunun'una


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika kuTanzania kumusangano we wevatungamiri wenyika dzekuchamhembe kweAfrica kana kuti SADC Ordinary Summit of Heads of State and Government wechimakumi matatu nemapfumbamwe.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kuti vatore chigaro chekutungamira bazi rezvematongerwo enyika muSADC kana kuti Organ on Politics, Defence and Security Cooperation.

Asi mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC, VaTenda Biti, vaudza Studio 7 kuti havafanire kutora chigaro ichi vachivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu zvavanoti zvaonekwa muHarare nhasi.

VaBiti vati vatumira nhumwa kumusangano weSADC uyu vachiti unofanira kuzeya nyaya yeZimbabwe.

Asi vachipindura mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vati Zimbabwe inyika yakazvimirira isingaudzwe zvekuitwa nevekunze.

VaMutodi vatiwo VaMnangagwa vakasarudzwa nevanhu nekudaro vane kodzero yekutora chigaro ichi.

Masangano akaita seUnited Nations, mubatanidzwa wenyika dzemuEuropean Union, Britain neAmerica uye masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kukunetsekana zvikuru nekwavanoti kutyora kwekodzero dzevanhu munyika.

Masangano aya ati mapurisa ose ari kuonekwa pamavhidhiyo achizvindikita vanhu anofanira kutorerwa matanho.

Izvi zvatsinhirwawo nemsangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnesty International neHuman Rights Watch.

Mutauriri wemukuru wesangano reUN High Commissioner for Human Rights, VaRupert Colville, vaudza Studio7 kuti nyaya yekuratidzira ikodzero yemunhu wose inofanira kuremekedzwa.

Vatiwo bhiri rekuda kuwandudza POSA re Maintenance of Peace and Order Bill rinoda kuti rivandudzwe neSenate usati wave mutemo nekuti harichengetedze vange vachiratidzira.

Ko chii chingaitwe nemasangano ekunze aya kubatsira Zimbabwe?

Doctor Victor Chimhutu, avo vanotungamira sangano reZimbabwe Yadzoka, Maibuye IZimbabwe, vanoti panofanira kuitwa kurudziro nenyika dzekunze kuti munyika muitwe nhaurirano.

Muna 2009, veSADC, African Union neUnted Nations ndivo vakabatsira Zimbabwe kuti iumbe hurumende yemubatanidzwa mushure memhirizhonga inotyisa mushure mesarudzo dzechipiri dzemutungamiri wenyika muna 2008.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG