Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voita musangano nevemasangano akazvimirira asi mumwe mutori wenhau achisungwa pamusangano wacho.
VaMnangagwa vapinda mumusangano wanhasi negurukota rezvekugarisana nevanhu Dr Sekai Nzenza avo vati wafamba zvakanaka chose.
Dr Nzenza vaudza Studio 7 kuti musangano uyu wange wakanangana nekuendesa masimba kumatunhu uye wakakokerwa naAmai Jenny Williams vesangano reWoza vanotungamirawo mubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga muBulawayo.
Chikamu chikuru chemusangano pakati pemutungamiri wenyika nevemasangano akazvimirira ega chaitwa vatapi venhau vaburitswa mumusangano uyu sezvo zvanzi zvange zvichikurukurwa zvange zvichifanirwa kuve pakati pemutungamiri wenyika nevemasangano aya.
Vamwe vapinda mumusangano uyu vaudza Studio 7 kuti nyaya yekuuraiwa kwevanhu panguva yeGukurahundi ndeimwe yakurukurwa zvikuru pamusangano uyu.
Pazobvumidzwa vatori venhau kupinda mumusangano uyu zvekare VaMnangagwa vatenda vemasangano aya nekuuya kwavaita vachiti vanzwa zvavataura vachivimbisawo kuti vachaita kuti pave nemukana wekusanganazve navo nekukasika.
Aka ndekekutanga VaMnangagwa vachiita musangano wakadai nemasangano anoshanda ari mumatunhu eMatabeleland.
Zvichakadaro, mutori wenhau Zenzele Ndebele uyo anove mutungamiri wesangano reCentre for Innovation and Technology, CITE, asungwa panze peState House apo pange pachiitwa musangano pakati paVaMnangagwa nevemamwe masangano akazvimirira.
Ndebele azoendeswa kukamba yemapurisa kuHillside uko kwaanosvika kupomerwa mhosva yekuwanikwa aine zvigaba zvakashanda zvehutsi hunokachidza kana kuti tear gas canister. Sangano reMedia Institute of Southern Africa, MISA, rabudisa mashoko paTwitter richizivisawo nezvekusungwa kwaNdebele.
Vamwewo vatori venhau vanoshanda vakazvimirira vega varambidzwawo kupinda mumusangano uyu vachinzi vange vasina kukokwa.
Pamenus Tuso ndemumwe wevatori venhau vanoshanda vakazvimirira vega varambidzwa kupinda mumusangano uyu. Tuso uyo anove sachigaro weMedia Centre muBulawayo ashora mabatirwo evatapi venhau akadai.
Dr Nzenza vati VaMnangagwa vachaita misangano yakadai nemamwe masangano akazvimirira kune mamwe matunhu.
Facebook Forum