Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votatarika Kugadzirisa Dambudziko reKuramwa Basa kwavanaChiremba


Byo Doctors strike
Byo Doctors strike

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti vamwe vanachiremba kuzvipatara zvakawanda vadzokera kumabasa mushure mekuita chibvumirano nehurumende nemusi weMugovera.

Asi mumashoko avo kuvatori venhau, sangano rinomirira vanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti vachiremba vakasangana nemusi weMuvhuro kuzeya zvainge zvavimbiswa nehurumende vakatenderana kuti havasi kuzodzokera kumabasa.

Nyaya iyi yave gangaidzwa kumukwenyika mhezi yavavira mudumbu kuhurumende sezvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakamanikidzwa kumbodimbura zororo ravo panzira vachiti vanoda kugadzirisa kuramwa mabasa kwvanachiremba uku.

VaMangwana vati ongogoro yaitwa nehurumende inoratidza kuti vanachiremba vakawanda vainge vadzokera kumabasa. Asi vanachiremba ava vati ndezvemugotsi matsuro.

Asi ZHDA inoti nhengo dzayo hadzisi kufara kuti hurumende yaramba kuvawedzera mari kunyangwe zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika. Vatiwo hurumende haisi kutenga mishonga sezvayakavimbisa nekudaro kudzokera kumabasa kupedza nguva. Asi VaMangwana vati vana chiremba ava vari kureva nepasipo.

Hurukuro naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG