Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa nhasi kutaura pamberi pegungano reUnited Nations General Assembly muNew York kuburikidza nevhidhiyo.
Kunyangwe hazvo vamwe vatungamiri venyika dzinosvika zana vari kuAmerica, mutauriri waVaMngangagwa, VaGeorge Charamba vakaudza vatori venhau kuti havasi kuenda nekuda kwekutyira chirwere cheCovid-19 uye kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi munyika.
Dingindira regore rino rakanangana nekuunza tariro mune remangwana kuburikidza nekuvaka hwaro hwakasimba kuti nyika dzepasi rino dzibude mumatambidziko akonzerwa nechirwere cheCovid-19, kugadzirisawo nyaya yemamiriro ekunze uye kuremekedza kodzero dzevanhu nekuvandudza sangano reUnited Nations.
Uyu musangano wechimakumi manomwe nematanhatu kana kuti 76th Session. Vamwe vakuru mubazi rezvekudyidzana kwenyika vasina kuda kudomwa nemazita vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa vachataura nyaya yeCovid-19, kukurudzira kuti zvirango zvavakatemerwa nevamwe vavo muhurumende zvibviswe. Asi vanonzi vachatiwo kunyangwe paine zvirango izvi, vari kukwanisa kudzikamisa hupfumi.
Nhengo yeZanu-PF uye vaimbotungamira bato reDare VaGilbert Dzikiti vaudza Studio 7 kuti zvirango zvakanganisa nyika uye zvinofanira kubviswa
Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, Blessing abatawo mutevedzeri webato reMDC Alliance VaJob Sikhala avo vati nyaya yehuori ndiyo yakanganisa nyika.
Zvichakadaro, mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris nezuro vakaita musangano nemutungamiri wenyika yeZambia VaHakainde Hichilema kumahofisi avo eEisenhower Executive Office Building mu Washington, DC. VaHichilema mumwe wevatungamiri vakauya kuAmerica kumusangano weUnited Nations uye vakatotaura pamberi pegungano iri.
Facebook Forum