Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisirwa Kutaurira Nyika nezve Hurongwa Hwekugara Mumba neMuvhuro


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuzivisa nyika neMuvhuro kuti nyaya yekuti vanhu vagare mudzimba kana kuti lockdown yoenderera mberi here kana kuti kwete.

Kurudziro iyi iri kuuya sezimwe nzira yekurwisa chirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vakawanda pasi rose.

Asi huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere ichi munyika huri kuramba huchidzikira kubva zvakatanga kurudziro yekuti vanhu vagare mudzimba kutanga muna Ndira huri kuramba huchiderera.

Nemusi wa15 mwedzi uno, VaMnangagwa vakarerutswa mimwe mitemo yekuti vanhu vagare mudzimba nekuti vamwe vemabhizimisi kusanganisira vanozviitira mabasa vatange kushanda asi vakawedzera havo hurongwa hwekuti vakawanda vagare mudzimba nemavhiki maviri.

Mukuru wesangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation kana kuti VISET VaSamuel Wadzai vanoti vakawanda vanozviitira mabasa emaoko vari kutatarika sezvo vasina pekutangira vachiti hurumende haina kuvapa mari yekubatsirikana yayakavimbisa.

Hatina kukwanisakunzwa divir rehurumende sezvo gurukota rezvemagariro evanhu muzvinafundo Paul Mavima avo vati vari kunze kwenyika. Gurukota rezvemari Muzvinafundi Mthuli vange vasiri kubatika panharembosha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG