Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vosvika muRussia Asi Vamwe Vachivashora neKusiya Nyika "Ichibvira"


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Sangano rakazvimiririra reCitizen’s Cabinet rinoti rinokatyamadzwa zvikuru nekubuda munyika kwemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa panguva iyo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.

VaMnangagwa vasvika muRussia nhasi murwendo rwavo rwekushanyira nyika shanu dzekumabuda zuva kweEurope. Vari kutarisirwawo kushanyira nyika dzakaita seBelarus, Azerbaijan, Kazakhstan uye kuSwitzerland kumusangano weWorl Economic Forum.

VaMnangagwa vatambirwa nemutevedzeri wegurukora rezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia vanoona nezvedunhu reAfrica neMiddle East VaBoganov Mikhail Leonidovich.

Mutungamiri wenyika aenda negurukota rezvekurima VaPerrence Shiri, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, gurukota rezvemigodhi VaWinston Chitando uye gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri wenyika iyi VaVladimir Putin uye kushanyira mugodhi wemangoda weEl Rosa Diamond Company.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti misangano iyi yakakosha zvikuru sezvo Zimbabwe iri kuyedza kuumbiridza hupfumi uye kudyidzana nedzimwe nyika.

Asi vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau VaAshley Pfunye imwe nhengo yeCitizen’s Cabinet vati kufuratira matambudziko ari munyika kwaitwa nemutungamiriri wenyika vachienda kuRussia nedzimwe nyika nhatu hakuna kunaka.

Citizen's Cabinet Press Conference
Citizen's Cabinet Press Conference

VaPfunye vakurudzira mutungamiriri wenyika kuti adzoke azogara pasi neveruzhinji kugadzirisa matambudziko akatarisanwa nawo panguva iyo kune kuratidzira mumaguta akasiyana-siyana.

​VaPfunye vatiwo kubuda kuri kuita mutungamiriri wenyika kuri kuramba kuchidyawo mari inogona kushandiswa kugadzirisa zvimwe zviri kunetsa.

Vanotungamirira vechidiki muCitizen’s Cabinet VaShepherd Gondo vakurudzirawo mutungamiriri wenyika kuti agadzirise zvichemo zvevanhu zvinhu zvisati zvanyanyoipisisa vachiti veruzhinji kunyanya vechidiki vaneta nekutambura.

Vanokokera misangano yeCitizens Cabinet VaBriggs Bomba vatiwo vanhu vanofanirwa kubatana mukusunda hurumende kuti inzwe zvichemo zvavo.

VaBomba vati vakamirira veruzhinji, vachatangawo kuungana chishanu chega chega kuratidza kunyunyuta kwavo kuhurumende uye vakati vari kutsigirawo “Shutdown” yadeedzerwa nesangano rinomiririra vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions.

Citizen’s Cabinet yatiwo inoda kuti vashandi vehurumende vabhadharwe mari inovakwanira uye kugadzirisa dambudziko remafuta ekufambisa dzimotokati.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG