Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vosvika kuYokohama kuMusangano weAfrica neJapan


Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa in New York
Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa in New York

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika kuJapan kumusangano wechinomwe we Tokyo International Conference on African Development, kana kuti TICAD 7.

Musangano uyu uri kuitirwa kuguta reYokohama kwemazuva maviri kutanga nemusi weChitatu.

VaMnangagwa vari kubatana nevamwe vatungamiri vemuAfrica kusanganisira VaPaul Kagame vekuRwanda, VaMuhammadu Buhari veku Nigeria, VaCyril Ramaphosa vekuSouth Africa nevamwe.

Mutungamiri wenyika ari kutarisirwa kuita musangano nemutungamiri wehurumende yeJapan, VaShinzo Abe, kumucheto wemusangano uyu.

Ko misangano yakadai ingabatsire nyika here kana kuti kupedzera hoko padehwe retsindi?

Muzvinabhizimisi uye vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti misangano iyi yakakosha sezvo ichipa Zimbabwe mukana wekuumba hukama nedzimwe nyika sezvo yakatemerwa zvirango nenyika dzakaita seAmerica, Britain nedziri mugungano reEuropean Union.

Asi vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Gladys Hlatywayo, vanoti hazvibatsire kusiya musha uchibvira uchiti uri kuenda kunotsvaga madzisahwira.

VaMuponda vanoti havo chitsva chiri murutsoka nekudaro hapana chakaipa kumboenda kune dzimwe nyika.

Mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti hurumende inofanira kutanga yagadzirisa mitemo inokwezva vemabhizimisi iyo isina kumira zvakanaka.

Doctor Kanyenze varambawo nyaya yekuti zvirango ndizvo zviri kupa kuti nyika iite seyakageza negoka munyama vachiti Zimbabwe inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu nguva dzose.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vanoti hakuna kodzero dzevanhu dziri kutyorwa.

Muzvare Hlatywayo vanoti pane humbowo hunoratidza kuti vanhu vari kumbunyikidzwa muZimbabwe vachiitwa kafiramberi.

Zimbabwe inoti iri kutarisira kuti ichanyorerana zvibvumirano zvekutengeserana kumusangano uyu, uye VaMnangagwa vari kuda kukumbira mari yekuisa tara pedyo neMana Pools kuMashonaland West.

Vanoti vari kudawo kuti Japan ivabatsire pakuyedza kubhadhara mitero pazvikwereti zveZimbabwe kana kuti ma arrears ayo aona Zimbabwe ichinyimwa mari nemabhanga akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank.

Sangano remabhizimusi munyika reZimTrade ririkowo kumusangano uyu.

Musangano pakati penyika dzemuAfrica neJapan uyu unoitwa kamwe chete mumakore matatu. Musangano wekupedzisira wakaitirwa muKenya muna 2016.

Musangano wegore rino uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekusimudzira budiriro muAfrica kuburikidza nehumhizha kana kuti “Advancing Africa’s Development through People, Technology and Innovation”

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG