Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vosvika kuBotswana Kunonyorerana Zvibvumirano zveKudyidzana naVaMosisi


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika kuBotswana kumusangano wekudyidzana unoitwa mukati memakore maviri nenyika iyi kana kuti Bi-National Commission.

VaMnangagwa vaenda nemakurukota anosanganisira rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, rezvekuburitswa kwemashoko amai monica mutsvangwa uye rezvehutano dr obadiah moyo.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana vati nhaurirano dzakatanga nemusi weChipiri uye mangwana VaMnangagwa nemumwe wavo VaMokgweetsi Masisi vachava zvapupu pakunyoreranwa kwezvibvumirano zvatenderanwa.

Zvibvumirano zviri munyaya dzezvekutengeserana, dzidzo uye nyaya dzezvehutano.

Hurukuro naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG