Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neKutengesa Voita Musangano neMutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa muHarare Nhasi


President Emerson Mnangagwa
President Emerson Mnangagwa

Mutungamiriri weZanu PF uye vari mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vari kutarisirwa kuita musangano paHICC muHarare nevanorarama nekutengesa.

Musangano uyu warongwa nesangano revanorarama nekutengesa reNational Vendors’ Union of Zimbabwe, (NVUZ).

Aka ndekekutanga sangano iri richiwana mukana wekutaura nemutungamiri wenyika kubva zvarakavambwa.

Sachigaro wesangano iri VaSten Zvorwadza vanoti musangano uyu hauneyi nezvematongrwoi enyika chero hazvo waitwa kwasara mazuva mashoma kuti nyika iende kusarudzo dzemutungamiriri wenyika, nhengo dzeparamende, pamwe nemakanzura.

VaZvorwadza vanoti vari kuungana nevamwe vavo vachabva kumatunhu ese ari gumi emunyika kuzotaura nemutungamiriri wenyika maererano nezve hupfumi hwenyika nekuti ivo sevanotengesa vanokwana papi munyaya dzebudiro.

Vanoti inguva yekuti naivowo vawane chouviri mukuvakwa patsva kwenyika yeZimbabwe.

Vachipindura mubvunzo wekuti sei vachinja maonero avo ehurumende pari vino sezvo kubva kare sangano ravo raita hwetsuro nembwa nehurumende vachigara vakarimirana muganhu, VaZvorwadza vanoti kubva zvauya hurumende yaVaMnangagwa zvinhu zvachinja.

Vanoti vave kunzwikwawo izwi ravo zvinovapa kuona kuti mukana wavepo wekusimudzirwawo mune zvehupfumi nebudiriro sevanhu vanozvishandira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG