Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voparura Musangano wemaSDG kuVictoria Falls


VaEmmerson Mnangangwa
VaEmmerson Mnangangwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaparura zviri pamutemo musangano weAfrica Regional Forum on Sustainable Development kuVictoria Falls vachiti Zimbabwe yakagadzirira kuzadzikisa zviga zvekusimudzira hupenyu hwevanhu zvakatarwa neUnited Nations kana kuti SDG’s.

Mutevedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations, Amai Amina Mohammed, avo vakapinda munyika neMugovera kumusangano uyu vadzokera nhasi.

Musangano uyu uri kukokwerwa nesangano reEconomic Commission for Africa rakabatana neAfrican Union Commission, African Development Bank pamwe neUnited Nations pasi pedingindira rinoti "2020-2030: A Decade to Deliver a Transformed and Prosperous Africa Through the 2030 Agenda and Agenda 2063".

Mumwe wechidiki ari kumusangano uyu VaNickros Kanjengwa vanoti vari kufara nezviri kuitwa nehurumende kuzadzikisa zviga zvemaSDG's izvi zvikuru mukusimudzira vechidiki munyaya dzebudiriro.

Hurukuro naVaNickros Kanjengwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG