Kuvakwa kwemuzinda mutsva weParamende kuMt Hampden, Mashonaland West kuchamhembe kweHarare kwave kutarisirwa kutanga mushure mekunge mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaparura hurongwa uhu nemusi weChishanu.
Paramende itsva iyi inonzi ichange ichikwanisa kugara vanhu vanosvika mazana matanhatu nemakumi mashanu izvo zviri kunzi zvichabatsira nhengo dzeparamende idzo dzinonzi dziri kumanikidzana mudare reparamende riripo ikozvino.
VaMnangagwa vapembedza hurumende yekuChina iyo iri kunzi yati ichapa mari yekuvaka paramende iyi pachena.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika vari mumiriri weMakonde mudare reparamende VaKindness Paradza varumbidza zvikuru hurumende yeChina nekubatsira kwayaita.
Asi vamwe vari kuchema chema kuti kunyangwe hazvo Zimbabwe yanzi haisi kupihwa chikwereti pakuvakwa kweparamende, zvikwereti zvenyika kuChina zvakanyanya zvekuti inogona kuguma yave pasi penyika iyi. Asi VaParadza vati vanofunga kudaro havanzwisise hukama hweZimbabwe neChina
Mukokeri webato guru rinopikisa reMDC mudare reparamende VaProsper Mutseyami vanoti ivo sebato vanotambira kuvakwa kweparamende itsva asi havana kutambirana nekuparurwa kwechirongwa ichi naVaMnangagwa.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano rePercycon Financial Services, VaPersistence Gwanyanya vanoti ichi chirongwa change chatononoka kutangwa sezvo mukati meguta manga mazara musisina nzvimbo yezvivakwa zvitsva.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswaane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza vanoti zvinotaurwa nevatungamiriri vezvematongerwo enyika zvakasiyana nezvavanozoita, sezvo kuwedzera kukura kweparamende kuchipesana nekudzikisa huwandu hwevanhu vanopinda mudare iri sezviri kukurudzirwa nevamwe.
VaMnangagwa vanoti kuchavakwawo mabhengi, mahofisi, mahotera ne zvitoro pedyo ne paramende iyi.
Vakurudzirawo vanovaka dzimba kuti vauye kuzobatsira mukubudirira kwenzvimbo iyi.
Vamwe vakuru vakauya kumutambo wekuparurwa kwechirongwa ichi vatevedzeri vemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi naVaConstantino Chiwenga nemakurukota akasiyana siyana.
Kuvakwa kwe paramende iyi kwakatanga kutaurwa nezvako nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakazobviswa pachigaro nemauto vasina kuzadzikisa chiroto chavo ichi.
Facebook Forum