Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, varatidza kuti havasi kufarirwa nevanhu vakawanda munyika zvichitevera kubuda kwaita vanhu mumusangano waitirwa muRudhaka Stadium kuMarondera.
Mavhidhiyo ari kuonekwa nevanhu paWhasApp anoratidza vanhu vakawanda vachibva pamusangano waVaMnangagwa vachiratidza kusafara nekurambidzwa kubva pamusangano uyu kwavanga vachiitwa.
Vanhu ava vanonzwikwa vachitaura kuti vange vazviendera kumusangano uyu nokudaro kana voda kubva pamusangano uyu vanofanirwa kubva pasina anovamanikidza kuti varambe vari pamusangano uyu.
Zvaitika kuMarondera zvakaitika zvakare neChishanu apo vanhu vakatanga kubva pamusangano waVaMnangagwa kwaMutare izvo zvakapa kuti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weZanu PF, Va Constantino Chiwenga, vamire mire vachiedza kuti vanhu vasabve pamusangano uyu.
VaChiwenga vakazobatsirwa nevechidiki vebato ravo kumisa vanhu ava kuti vasabve pamusangano uyu VaMnangagwa vasati vapedza kutaura.
Izvi zvakaitika zvakare kumusangano wakaitwa naVaMnangagwa kuChipadze muBindura mazuva mashoma apfuura.
Vasati vaenda kuMarondera, VaMnangagwa vasangana nevachena kuBorrowdale Race Course muHarare, uko vaudzwa zvichemo zvevarungu ava.
Musangano waVaMnangagwa nevachena ava wanga wakarongeka zvikuru, vanhu vakagara pamacheya, uye vachinwa svutugadzike.
Vamwe vachena vanga vari pamusangano uyu vanga vakapfeka makepisi anga akanyora zita remutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.
VaMnangagwa vaudza vachena ava kuti hurumende yavo inoda kushanda nemunhu wese, pasina rusarura kuitira kuti nyika ibudirire.
VaMnangagwa vatiwo varimi vechichena vachiri munyika vanofanirwa kuwana mikana yekurimawo, uye kushanda savana mazvikokota mukudzidzisa varimi vatsva kurima kwakanaka, izvo zvinozoita kuti hupfumi hwenyika husimukire.
Vavimbisawo kuti hakusisina muchena achatorerwa munda. Vatiwo vanhu vatema vane mapurazi akawanda vachatorerwa mapurazi aya kuitira kuti vachena vari munyika, vapihwewo minda yekurima.
Mushure mekuita musangano muBorrowdale, VaMnangagwa vaenda kuMarondera uko kwavanosangana nevatsigiri vavo vemudunhu re Mashonaland East, pamusangano waitirwa muRudhaka Stadium.
VaMnangagwa vati vanhu vanofanira kubatana zvisineyi kuti vanenge vaine maonero akasiyana siyana mumafambisirwo ezvematongerwo enyika.
VaMnangagwa vati musi wa 30 Chikunguru izuva guru rekuratidza Zimbabwe yose kuti Zanu PF ndiro chete bato rinofanira kutonga nyika uye kuti ndivo chete vane simba rekuzadzisa zvido zvevanhu vese munyika.
Vatiwo sarudzo dzinofanirwa kuitwa murunyararo sezvinodiwa nemitemo yesarudzo.
VaMnangagwa vaudza vatsigiri vavo kuti vasakanganwe kuti Zimbabwe yakasunungurwa nani, uye kuti vanofanirwa kurwira nhaka yavo kuburikidza nekuziva pekuvhotera.
Facebook Forum