Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanosangana neMadzimai eZanu PF, VaChiwenga naVaMohadi Vachitsvagira Bato Rutsigiro


President Emmerson Mnangagwa.

Mutungamiri we ZANU PF, Va Emmerson Mnangagwa, vasangana nemadzimai emubato ravo pamuzinda we ZANU PF muHarare vakakurukura nezvesarudzo.

Va Mnangagwa vati madzimai anofanirwa kumira mira zvakasimba mukuona kuti avhotera bato ravo re ZANU PF musarudzo nekuti ndicho chinhu chega chichaita kuti ZANU PF irambe ichitonga.

VaMnangagwa vakurudzira madzimai ose kuti vashande nesimba mukushambadza bato ravo kuti vasakundwe nevanopikisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Mnangagwa vatora mukana uyu kutenda madzimai aya nekuvatsigira mukuvagadza semutungamiriri webato, nekuve mutungamiri wenyika.

Vati vachatarisa zvichemeo zvese zvavapihwa nemadzimai senzira yekuvatenda nayo.

Vati kwese kwavanoenda vachishambadza bato ravo, madzimai ndiwo ari kumberi kumiririra basa re bato ravo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Apo VaMnangagwa vanga vachiita musangano nemadzimai, vatevedzeri vavo, VaConstentino Chiwenga, naVaKembo Mohadi, vanga vari ku Mashonaland West nekuMashonaland Central vachiitawo mimwe misangano.

VaChiwenga vaenda kuTengwe, Hurungwe, Magunje uko vasangana nevatsigiri veZanu PF vachivakurudzira kuti vavhotere bato ravo.

Va Mohadi vanga vari ku Mahuwe ku Mbire ku Mashonaland Central vachitsvagira bato ravo rutsigiro.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa ku Tswaane University, Doctor Ricky Mukonza, vanoti hapana chinoshamisa zvakanyanya mukubuda kwevatevedzeri vemutungamiri wenyika vachienda kunoshambadza bato nezvesarudzo dzegore rino.

Vati matunhu aendwa naVaChiwenga naVaMohadi ndiwo anobva vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri weNational People's Party, Amai Joice Mujuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG