Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voita Hurukuro neMamwe Mapato Anopikisa


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Nhasi mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuita musangano kustate house nemamwe mapato anopikisa akakwikwidza musarudzo yegore rapera.

Asi bato guru rinopikisa reMDC rinotungamirwa naVaNelson Chamisa harisi kutarisirwa kupinda mumusangano uyu sezvo riri kugunun’una zvakanyanya nekusungwa kwakaitwa dzimwe nhengo dzaro uye kumanikidzwa kuenda muhupoteri nekurohwa kwevamwe.

Musangano uyu unonzi ndewekutsvaka nzira yekutanga kutaurirana munyika.

Mutungamiriri weBuild Zimbabwe Alliance, Doctor Noah Manyika uye mutungamiri weNCA Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti vari kupinda mumusangano uyu.

Doctor Manyika vaudza Studio 7 kuti vachaenda kumusangano uyu kunotaura kuti hapana nhaurirano dzingaitwa kana masoja achiita basa risiri ravo uye kana majeri akazara vanhu vasina mhosva.

Hurukuro naDoctor Noah Manyika
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, vakuru vemakereke veZimbabwe Heads of Christian Denominations, vanoti musangano weku State House nhasi wakasiyana neuchaitwa nemusi wechina kuHarare International Conference Center.

Mutauriri weZimbabwe Heads of Christian Denominations uye vari munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti vamwe vavanotarisira kumusangano wemusi weChina vanosanganisa VaMnangagwa, VaChamisa, vatungamiriri vemapato anopikisa akasiyana siyana, kusanganisa mutungamiri, vakuru vemakereke, vatungamiriri vemasangano anomiririra vashandi, vemabhizimisi nevamwe.

Hurukuro naRedverend Doctor Kenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, VaMnangagwa vari kutumira nhumwa kunyika dzeSADC uye kuna sachigaro weAfrican Union vari mutungamiri weRwanda VaPaul Kagame.

Izvi zvinotevera kushorwa kwavari kuitwa neUnited Nations, America neBritain uye masangano anorwira kodzero dzevanhu nenyaya iri kupomerwa mauto nemapurisa emuZimbabwe yekupfura vanhu vairatidzira mwedzi wapera. Vanhu gumi nevatanhatu vakapfurwa vakafa.

Vaimbova gurukota muhofisi yaVaMnangagwa VaChris Mutsvangwa vainge vari kuZambia nezuro vachiita hurukuro nemutungamiri wenyika iyi VaEdgar Lungu vanove sachigaro weSADC Troika on Politics and Defense.

Hurumende iri kuyedza kuzvichenura pakushorwa kwairi kuitwa nekutyora kodzero dzevanhu ucishandisa mauto.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG