Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voendeswa kuMatare neMutemo weKutara Mitengo yeZvinhu


VaEmmerson Mnangangwa
VaEmmerson Mnangangwa

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, raendesa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube uye gweta guru renyika, VaPrince Machaya, kudare repamusoro richiti kudzika kwavakaita mutemo mutsva svondo rapera unotara mutengo wezvinhu, we Presidential Powers (Temporary Measures) (Financial Laws Amendment) Regulations 127 of 2021, kunotyora bumbiro remitemo yenyika.

Nyaya iyi yakwidzwa kumatare negweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaObey Shava, avo vari kumiririrwa mumatare naVaTonderai Bhatasara.

Vose VaShava naVaBhatarasa inhengo dzeZimbabwe Lawyers for Human Rights.

VaShava vanoti mutemo uyu unopa Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, masimba asiri pamutemo pakuranga vanotyora mutemo uyu.

Vanotiwo zvirango zvacho hazvienderanewo nebumbiro remitemo.

Mutemo uyu unosungira vemabhizimisi vose kuti vatengese zvinhu nemutengo wedhora rekuAmerica wepamusika weReserve Bank Foreign Currency Auction kwete wepamusika wemukoto.

NeChipiri mutengo uyu wainge uri pamadhora makumi masere nemanaemuZimbabwe padhora rimwe chete rekuAmerica, kana kuti Zim$84 zvichienzaniswa nezana remadhora makumi mashanu kana kuti Zim$150 pamukoto panotengwa mari yekunze nevemabhizimisi vakawanda sezvo RBZ isiri kukwanisa kuwana mari inovakwanira.

Musika weRBZ unoitwa kamwechete pavhiki neChipiri choga choga.

Mumashoko padandemutande reTwitter Reserve Bank of Zimbabwe inoti mutemo mutsva uyu hausi wekuda kuomesera vemabhizimisi asi kuti kuunza kugadzikana pamusika nekumisa huori kune vemakambani vanowana mari kubhanga guru renyika iri nemutengo uri pasi asi vodhurisa zvinhu.

Vanenge vatyora mutemo mutsva uyu vanonzi vacharangwa zvakaomarara.

VaNcube vakaudza vari mubhizimisi rekushanyirwa kwenyika kuti mutemo uyu waizobatsira vanhuwo zvavo vari kubirirwa nevenmabhizimisi vanodhurisa zvinhu. Vakati hupfumi nedhora remuZimbabwe zvakagadzikana.

Hatina kukwanisa kubata VaNcube sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, havanawo kupindura mubvunzo watavatumira nezvenyaya yemitengo yezvinhu iyi.

Asi mumashoko kuvatori venhau masangano anomirira vemabhizimisi anoti Employers Confederation of Zimbabwe, Confederation of Zimbabwe Industries neZimbabwe National Chamber of Commerce akashorawo mutemo uyu.

Hurukuro naVaTonderai Bhatasara
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG