Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vochema Chema kuUN General Assembly Vachiti Zvirango Zvibviswe


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakataura nemusi weChina pamberi pegungano reUnited Nations General Assembly muNew York vari pavhidhiyo.

Aka ndekechina VaMnangagwa vachitaura pamberi pegungano iri kubva zvavatora chigaro muna 2017 mushure mekunge mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe vapidigurwa nemauto.

VaMnangagwa vakaudza gungano iri kuti Zimbabwe iri kubudirira mukurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nekutanga nhomba dzeCovid-19,

VaMnangagwa vakakurudzira kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika yavo nenyika dzakaita seAmerica, Britain nedzimwe dziri mugungano reEuropean Union zvibviswe.

Kunyangwe hazvo nyika yakatarisana nematambudziko aya, VaMnangagwa vakati hurumende yavo yakwanisa kuunza kugadzikana munyaya dzezvehupfumi.

Panyaya yekurwisa denda reCovid-19, mukuru munyaya dzezvekudzivirirwa kwedenda iri munyika Dr Agness Mahomva vati Zimbabwe yabudirira zvikuru pachitariswa kuti yakanzi neWorld Health Organization iri panyika shoma muAfrica your dzakwanisa kubaya nhomba vanhu vanodarika zvikamu gumi muna Gunyana sedonzvo resangano iri.

Asi mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti hurumende iri kushandisa nyaya yeCovid-19 kumbunyikidza vanopikisa.

Panyaya yezvirango, mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaTafadzwa Mugwadi, vati handi chokwadi kuti zvakanangana nevashoma muhurumende.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Allance, VaFelix Mafa, vati Zanu-PF ndiyo yaunza zvirango nekutonga nedemo.

Misangano yegore rino yakatanga nemusi weChipiri uye ichapetwa nemusi weMuvhuro svondo rinouya apo pachataura vamiriri venyika dzisina kugadzikana dzinoti North Korea, Myanmar, Guinea neAfghanistan.

Dingindira regore rino rakanangana nekunza tarisiro mune remangwana kuburikidza nekuvaka hwaro hwakasimba kuti nyika dzepasui rino dzibude mumatambudziko akonzerwa nechirwere cheCovid-19, kugadzirisawo nyaya yemamiriro ekunze uye kuremekedza kodzero dzevanhu nekuvandudza sangano reUnited Nations

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG