Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vobayiwa Nhomba Vachiparura Chirongwa Chechipiri Chekubayiwa Vakawanda muNyika


VaEmmerson Mnangagwa vachibayiwa nhomba kuVictoria Falls

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vakaparura vachikurudzira veruzhinji kuti vabaiwe.

VaMnangagwa vakabva vabaiwavo nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 uye vachikurudzira veruzhinji kuti vabaiwewo vachiti vanhu havafanire kuteerera manyepo anotaurwa pamusoro penhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Vanotiwo kunyange hazvo pave nenhomba yekubatsira kudzivirira chirwere cheCovid-19 vanhu vanofanirwa kuramba vachitevedzera zvose zvinotaurwa nenyanzvi dzezvehutano pakudzivirira chirwere ichi.

VaMnangagwa vakatenda vakoti, naana chiremba pamwe nemauto nevamwe vashandi vehurumende vakatanga kubaiwa pachikamu chekutanga chekudzivirira chirwere ichi.

Vachitaura mushure mekuona chipatara cheVictoria Falls District Hospital, gurukota rezvehutano vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vati hurumende yaona zvakakosha kuparura chirongwa chechipiri chenhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 muVictoria Falls nekuti ndimo makave nemunhu wekutanga kurwara nechirwere ichi munyika.

Vatiwo guta reVictoria Falls rakakoshera nyika munyaya dzezvekushanyirana vakatiwo vari kufara nekutambitwa kwaita chirongwa ichi neveruzhinji.

Vamwe vatungamiri vemapato anopikisa vange varipowo pachiitiko ichi vanosanganisira mutungamiri webato reMDC T VaDouglas Mwonzora vati bato ravo rinotsigira chirongwa ichi nekuti chirwere cheCovid-19 hachinei nekuti munhu unotsigira bato ripi.

Vakafanobata chinzvimbo chemukuru weZimbabwe Tourism Authority VaGivemore Chidzidzi vati kuparurwa kwechirongwa chekubaiwa nhomba muguta reVictoria Falls kuchabatsira kumutsurudza zvekushanyirana munyika.

Mumwe mugari wemuVictoria Falls Muzvare Precious Mkono vati vanoona zvakakosha kuti vabaiwe sezvo vachiita basa rinoita kuti vasangane nevanhu vakawanda.

Guta reVictoria Falls rine vanhu vanoda kusvika zviuru makumi mana uye pane nhomba zviuru makumi manomwe dzakaunzwa muguta iri kuti vanhu vabaiwe.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko rinoti vanhu vakawanda muguta iri vari kutambira chirongwa chekubayiwa nhomba uye vari kuenda kunzvimbo dzakatarwa.

Dare remakurukota rakazivisa nezuro kuti kutanga kwechirongwa chechipiri chekubaya nhomba kuchaona vafundisi, varairidzi, vatongi, vanoona nezvekudzivirirwa kwenyika uye vari kurwara nevane makore makumi matanhatu zvichikwira vachitanga kubayiwa.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vaudzawo Studio 7 kuti zvakakosha kuti vatungamiri venyika vabayiwe nhomba paruzhinji sezvo zvichipa vanhu chivimbo chekuti mushonga wacho unoshanda.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG