Vamwe vatungamiri venyika dzemuSADC kusanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa svondo rino kuti vaite musangano wechimbichimbi kana kuti "Extraordinary meeting of the Sadc Organ on Politics, Defence and Security Cooperation."
Musangano uyu nde wekuzeya kuti vangatore danho ripi kuMozambique uko kune vapanduki vanotsigira chikwata chinopfurikidza mwero cheIslamic State vari kuponda vanhuwo zvavo kusanganisira vana vadiki.
Vari kupinda mumusangano uyu vanosanganisirira mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi uye mutungamiri weSouth African VaCyril Ramaphosa.
Kunyangwe hazvo SADC iine chibvumirano kana kuti Mutual Defence Pact of 2002 chekuti imwe nyika ikarwiswa dzimwe dzinopindira, nyika dzekuchamhembe kweAfrica hadzisi kuratidza chido chekubatsira Mozambique.
Vachitaura nevatori venhau muHarare mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakati Zimbabwe haisi kuzoita zano ndega kupindira hondo yekuMozambique asi ichatora matano ose iri pasi peSADC.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights NGO Forum Doctor Musa Kika vatenderana nemashoko ekuti Zimbabwe haifanire kuita fungira mumoyo rwendo rwemba ichipindira muhondo yekuMozambique yega pasina SADC.
Asi vakurudzira kuti nyika idzi dzipindire nekuti hondo iyi kamoto kambeveve kanogona kupisa matanda mberi nekukonzera hondo mudunhu rose.
Facebook Forum