Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vanoda Runyararo Uku Vamwe Mubato Ravo Vachiti MDC Isaratidzire


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vakurudzira kuti munyika muve nerunyararo uye kuti musaitwe zvemhirizhonga vachiti hurumende yavo iri kuedza kugadzirisa matambudziko ese akatarisana nenyika.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pamhemberero dzezuva remagamba enyika dzaitirwa paHeroes Acre muHarare.

Vachitaura pamberi pezviuru nezviuru zvevanhu vanga vari pamhemberero idzi, VaMnangagwa vati hurumende yavo iri kuziva matambudziko ari kutarisana neveruzhinji akafanana nekushayikwa kwemafuta edzimotokari, kushayikwa kwemari mumabhanga pamwe nekudzimwa dzimwa kwemagetsi nezvimwe zvakadaro.

VaMnangagwa vati hurumende yavo iri mubishi kugadzirisa matambudziko ese aya vakakurudzira kuti munyika murambe muine runyararo uye veruzhinji vasaita zvemhirizhonga.

Mashoko aVaMnangagwa aya anouya apo MDC ichiti icharatidzira neChishanu svondo rino ichiti haisi kufara nekusamira zvavakanaka kwehupfumi hwenyika uye nekubirirwa kwainoti kwakaita sarudzo dzegore rapera kunyange hazvo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission ichiti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo idzi izvo zvakatsinhirwa nedare reConstitutional Court.

Murongi wemabasa muMDC VaAmos Chibaya vanoti vari kuratidzira nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Zvichakadai, mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika nevakarwa muhondo yeChimurenga uye vari murongi wemisangano muZanu PF, VaVictor Matemadanda vaudza vatori venhau paHeroes Acre pakare kuti havasikuzosiya MDC ichipinda mumigwagwa neChishanu vachiti MDC inozivikanwa nekuita zvemhirizhonga.

VaMatemadanda vashorawo MDC nekusauya kumhemberero dzezuva remagamba vachiti MDC haikoshese magamba uye vati bato iri rinongoda zvemhirizhonga chete.

Zvataurwa naVaMatemadanda zvatsinhirwa naVaLouis Matutu veboka revechidiki muZanu PF reYouth League avo vati vachatora matanho akasimba kudzivirira mhirizhonga pamwe nemasimba ehutungamiri hwebato ravo.

Asi mutauriri weMDC, VaDaniel Molokele vaudza Studio 7 kuti zvataurwa naVaMatemadanda naVaMatutu hazvina musoro vachiti sebato varikuenderera mberi nehurongwa hwavo hwekuratidzira.

Zvichakadai, VaMnangwa vati hurumende yavo inokoshesa kodzero dzevanhu asi kodzero idzi hadzifanirewo kukanganisa kodzero dzevamwe.

Vatiwo vari kufara zvikuru nebasa riri kuitwa nekomisheni inorwisa huori yeZimbabwe Anti Corruption Commission vachiti hurumende yakazvipira kurwisana nehuori uhwo hunonzi hwakatekeshera munyika zvikurusei muhurumende.

VaMnangagwa vati kubatana munyika zvakakosha zvikuru vachiti ndizvo zvakarwirwa nevakarwa muhondo yeChimurenga. Vatiwo hurumende haisi kudzokera shure panyaya yeminda vachiti chavekudikanwa ndechekuona kuti magetsi awaniswa kuvarimi nguva nenguva kuti vakwanise kuita basa ravo zvakanaka.

VaMnangwagwa vapawo ruremekedzo rukuru rwehushamwari kana kuti Zimbabwe International Friendship Gold Award kumumiriri weUnited Nations muZimbabwe VaBishow Parajuli vachiti vakamira neZimbabwe musarudzo uye padambudziko reCyclone Idai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG