Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vamwe veG40 Vakasungunuka Kudzoka kuZanu-PF


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika uye vavo mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vatambanudza ruoko kunhengo dzechikwata cheZanu PF cheG40 dzidzoke vashande pamwechete navo pamberi pesarudzo.

Vachitaura pamusangano wavaita nanamujibha nana chimbwido, VaMnangagwa vati nhengo dzechikwata cheG40 dzakasununguka kudzoka muZanu PF.

Nhengo dzeG40 zhinji dzakasara dzisina chakadzakapa panyaya yemasimba zvichitevera kupindira kwakaita mauto mune zvematongerwo enyika gore rapera zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye chigaro.

Mutevedzeri wasachigaro wesangano rana mujibha na chimbwido, Amai Josephine Gandiya, vaudza VaMnangagwa kuti vanoda kurapwa pachena sezvo vachiti homwe dzeruzhinji rwavo dzakabooka.

VaMnangagwa vati vachashevedza musangano wekuedza kugadzirisa nhuna dzana mujibha nana chimbwido.

Musangano uyu wanonoka kutanga zvapedzisira zvaita kuti vamwe vana mujibha nana chimbwido vadzokere VaMnangagwa vasati vasvika.

VaMnangagwa vaudza vanhu vanga vari pamusangano uyu kuti havasi kupihwa mashoko akakwana nevanhu vavanoshanda navo muhofisi mavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG