Vachitaura kugungano reUnited Nations General Assembly nemusi weChina kuburikidza nevhidhiyo yavainge vaita sezvo vasina kuenda kuNew York kwaiitirwa musangano uyu nenyaya yechirwere cheCovid-19, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati hurumende yavo yaumba hwaro hwekugadzirisa hupfumi hwenyika.
Asi munyika hamuna kuwirirana panyaya iyi sezvo vamwe vari kuti zvinhu zvatonyanya kuoma kubva zvavatora chigaro.
VaMnangagwa vakati Zimbabwe yakaparura chirongwa cheVision 2030 chavanoti chapa kuti mukaha uri pakati pevarombo nevapfumi uderedzwe.
Vakatiwo vakwanisa kuumba mabasa. Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga VaGilbert Muponda vanova nhengo yeZanu-PF vanoti ichokwadi kuti hurumende yaVaMnangagwa yakwanisa kudzikamisa hupfumi. Vati dhora remunyika radzikama uye mitengo yezvinhu haicharambe ichiita chamurambamhuru.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafindo Gift Mugano vanoti mitemo mizhinji yegurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube haisi kushanda sezvo yakanangana nekuti hurumende isare nemari muhomwe mayo asi vanhu vachinonga svosve nemuromo.
VaMugano vati zviri kuitwa naVaNcube, "zvakafanana nababa vanofamba vachiti handina chikwereti ivo vachitadza kubhadharira vana chikoro kana kuvatengera zvekudya."
Facebook Forum