Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemumwe mutevedzeri wavo ari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, pamwe nesangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission vaendeswa kumatare nevari kuda kukwikwidza musarudzo dzakambomiswa nehurumende vachinzi vari kutyora bumbiro remitemo.
Idzi isarudzo dzemakanzura nenhengo dzedare reparamende dzakadzingwa kana kufa.
Kunze kwevari kuda kukwikwidza musarudzo dzekuKuwadzana East, Highfield West nedzimwe, pane masangano akaita seElection Resource Centre neWomen’s Academy of Leadership and Political Excellence ari kutiwo sarudzo dzinofanira kuitwa.
Sarudzo idzi dzainge dzambonzi neZEC dzinofanira kuitwa musi wa 5 Zvita asi VaChiwenga vakazoti ngadzimiswe kwenguva isina kutarwa vachiti dzikaitwa zvinogona kukonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Asi vamwe vanopikisa vanoti nyika dzine vanhu vakawanda vabatwa nechirwere ichi dzakaita seAmerica neSouth Africa dziri kuenderera mberi nesarudzo.
Nemusi weChitatu mukuru webazi rezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana, vakati komisheni yavo inotora yambiro kubva kubazi rezvehutano nekudaro yainge yamisa sarudzo.
Sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba vaudza Studio 7 kuti havakwanise kutaura nezvenyaya iri mumatare.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri wevatungamiri wenyika VaGeorge Charamba kuti tinzwe divi ravo.
Vanoona nezvemabasa nedzidziso muERC VaSolomon Bobosibunu vanoti kusaita sarudzo kutyora mutemo.
Zvichakadaro, sangano rinoona nezvekodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Commission raburitswawo mashoko kuvatori venhau richikurudzira hurumende kuti iite sarudzo idzi. Rati munguva yezvirwere sarudzo dzinogona kumbomiswa asi kwete kwenguva isina kutarwa sezvakaitwa naVaChiwenga.
Ratiwo ZEC inofanira kushanda yakazvimirira kwete kuita kunge iri muhapwa dzehurumende.
Facebook Forum