WASHINGTON —
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabatana nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica kumusangano weRussia Africa Summit kuSochi watanga nhasi. Musangano uyu unopera nemusi weChina.
Musangano uyu wakanangana nekukurudzira nyaya dzekutengeserana pakati peRussia neAfrica zvikuru panyaya dzezvehumhizha.
Hurumende inoti kambani yeNational Railways of Zimbabwe yanyorerana chibvumirano nekambani yeUnions Wagons of Russia kuti vatengeserwa ngoro dzezvitima.
Mutungamiri wesangano re Coalition For Market And Liberal Solutions VaRejoice Ngwenya vanoti VaMnangagwa vangadayi vatumira rimwe remakurukota avo kumusangano uyu sezvo nyika yakatarisana nematambudziko akawanda anosanganisira kuwondomoka kwehupfumi.
Facebook Forum