Nyika dziri mugungano reSADC neMugovera dzakatenderana kupeta hurongwa hwematanho angatorwe panyaya yehondo iri kuMozambique uko kune chikwata chinopfurikidza mwero cheIslamic State chakapandukira hurumende kutanga muna 2017 uye chiri kupomerwa mhosva dzekuponda vanhu vanodarika zviuru zviviri vamwe vachiita zvekugurwa musoro.
Vanhu vanodarika zviuru mazana mana vaenda muhupoteri.
SADC yakaita musangano wakakosha kana kuti Extraordinary SADC Troika Summit uyu kuBotswana ikazeyawo nyaya yekusagadzikana muDRC.
Vatungamiri vakapinda mumusangano uyu vanosanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi, mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Mutungamiri wenyika yeDRC VaFélix Tshisekedi, mutungamiri wenyika yeMalawai VaLazarus Chakwera.
Mozambique yainge yakamirirwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika iyi VaJaime Augusto Neto.
Musangano uyu wakatenderana kuti patsvagwe nzira dzekubatsira Mozambique kurwisa vanopfurikidzwa mwero vari mudunhu reCabo Delgado.
Vatungamiri ava vakati vari kuda kuvandudza mashandiro emauto eSADC avo ari muDRC uye kusimbisa hurongwa hwekubatsira Mozambique. VaMnangagwa vakadzoka munyika nemusi weSvondo mangwanani.
Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition rimwe sangano rakazvimirira roga VaMarvelous Khumalo vanoti zvakakosha kuti SADC ipindire muMozambique nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvinozopa kusagadzikana mudunhu rose.
Facebook Forum