Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaChamisa Vokurudzirwa Kuita Hurukuro Sezvo Nyika Yananga kuMawere


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuyambira kuti nyika inogona kuguma yaenda kumaziva ndadzoka kana pakasaitwa nhaurirano nechimbi chimbi pakati pemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnanngagwa, nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa.

Kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nehupfumi kwapa kuti munyika musagadzikane.

VeMDC vanoti vari kurambidzwa kuita misangano yavo nemapurisa uye vave kuda kutanga hurongwa hwekungoita zvirongwa zvavo pasina kusuma mapurisa.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seHuman Rights Watch ari kupomerawo hurumende mhosva yekutyora kodzero dzevanhu zvakanyanyisa.

Asi hurumende inoti iri kuzorwa mafuta enguruve yaisina kudya.

Vashandi vehurumende vari kuramwa mabasa ukuwo nyika yakatarisana nenzara inotyisa zvaita kuti ive gangaidzwa kumukwenyi mhezi yavavira mudumbu.

Munyori anoona nezvemitemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti havaone paine chikonzero chekuti paitwe nhaurirano nemutongi gava zvikuru wekunze.

Asi mumwe mutevedzeri wemunyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, VaDouglas Mwonzora, vanoti panodiwa mutongi gava sezvo zvichinetsa kugadzirisa nyaya yeZimbabwe nekuti kukandirana makobvu nematete kwakanyanya.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG