Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaChamisa Votatsurana paNyaya yePOLAD


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa Chamisa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa Chamisa

Kunyangwe hazvo nhasi Zimbabwe yange ichicherechedza zuva rekubatana kana kuti Unity Day, zviri kubuda pachena kuti kusawirirana kuri kuenderera mberi pakati pemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri guru webato rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa nezvenhaurirano.

Vachitaura pazuva rekubatana nevamwe vatungamiri vemapato madiki anopikisa ari muPolad pamusangano waitirwa papurazi ravo kuKwekwe nhasi, VaMnangagwa vati vakaudza vaimbove mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaThabo Mbeki avo vari kuratidza chido chekuda kuyananisa muZimbabwe kuti havasi kuzoita nhaurirano kunze kwePOLAD.

Mashoko aVaEmmerson Mnangagwa panyaya yenhaurirano
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMnangagwa vati mapato ezvematongerwo enyika anofanira kukoshesa nyaya yekubatana nerunyararo kuti hupfumi hwenyika hugadzikane.

Imwe nhengo yePOLAD Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti musangano wanhasi wafamba zvakanaka uye vanoti POLAD iri kubata basa kuyedza kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mashoko aVaMnangagwa aya ari kuuya apo VaChamisa vazivisawo kuti havasi kuzopinda mugungano rePOLAD vachiti kuteya nzou neriva. VaChamisa vanoti kunyangwe vachida zvenhaurirano dzine mutongi gava asingateme akarerekera rimwe divi.

VaChamisa vanoti vari kupedza nguva ino vachibatsira vanoshupika sezvavakaita kuBulawayo neChishanu.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zuva reUnity Day iri rakauya mushure mekunyoreranwa kwechibvumirano cherunyararo nekubatana kana kuti Unity Accord pakati peZanu-PF nePF Zapu musi wa 22 Zvita 1987.

Vakanyorerana chibvumirano ichi vachakabvu Robert Mugabe naDoctor Joshua Nkomo.

Izvi zvakatevera kuurayiwa kwevanhu vanofungidzirwa kuti vanosvika zviuru makumi maviri kuMatabeleland neMidlands munguva yeGukurahundi pachipomerwa mhosva mauto eFifth Brigade.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG