Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovhiringidza Kunyorwa kweBumbiro Idzva?


Commission Hal0032391 Emmerson Mnangagwa interview with Colin Freeman in Harare 17 June 2011
Pic Gregg Robinson
Gregg Robinson Photography
Savannah Studios
Mobile: 0772312854
greggrobinson@zol.co.zw
www.greggrobinsonphotography.com
Commission Hal0032391 Emmerson Mnangagwa interview with Colin Freeman in Harare 17 June 2011 Pic Gregg Robinson Gregg Robinson Photography Savannah Studios Mobile: 0772312854 greggrobinson@zol.co.zw www.greggrobinsonphotography.com

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, uye vari munyori wezvemitemo mu Zanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vave kupomerwa mhosva mubato ravo yekudzorera shure kunyorwa kwebumbiro remitemo nekukara masimba.

Vamwe muZanu-PF vanoti VaMnangagwa, avo vanozivikanwa kuti vanoda kuita mutungamiri wenyika, havasi kuda kuti nyaya yekuti pabviswe masimba akawandisa ane mutungamiri wenyika.

VaMnangagwa vange vachitarisirwa kuita hurukoro neChitatu nemutungamiri wenyika uye vebato ravo, VaRobert Mugabe. Kunyorwa kwebumbiro remitemo kwakambomiswa mushure mekunge veZanu-PF neMDC vanetsana pakuti pfungwa dzevanhu dzotorwa sei.

Asi COPAC, iyo ine nhengo dzeZanu-PF, inonzi yakazotenderana kuti vashandise zvose zvaikurudzirwa nemapato aya.

Vanoona nezvemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vanonzi vakatenderana nezvainge zvabva kuCOPAC, asi VaMnangagwa vakabva vatsika madziro.

Vari muZanu-PF vanoti vamwe vakaoma musoro mubato iri vari kutsigira VaMnangagwa vanoti vari kutyira kuti pakashandiswa zvakatenderanwa neCOPAC, zvichaendesa mudondo zviri kudiwa neZanu-PF zvekuti pave nemutungamiri wenyika ane masimba seana VaMugabe pari zvino. Vanhu ava vari kudawo kuti mutungamiri wenyika ave nevatevedzeri vaviri pasina mutungamiri wehurumende.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC vachimirira Zanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti mubato ravo hamuna kunetsana.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC vachimirira MDC-T, VaDouglsa Mwonzora, vanoti Zanu-PF yave kuvhiringidza mabasa ekunyorwa kwebumbiro idzva.

Zvichakadaro, Politiburo yeZanu-PF yange ichiitawo musangano wekuzeya nyaya yenhaurirano zvikuru nyaya yehwaro negwara resarudzo.

Bato iri riri kuzeyawo nyaya yekuti mutevedzeri wegurukota rezvemabasa nekuchengetwa kwakanaka kwevanhu, Amai Tracy Mutinhiri, vodzingwa here kana kuti kwete mubato iri. Hatina kukwanisa kunzwa zvisungo zvabuda mumusangano uyu.

XS
SM
MD
LG