Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votsvaga Rutsigiro kuManicaland Vachishora Zvirango


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakashanyira nzvimbo yeChipinge, Manicaland papurazi reHilderstroom raVaIrvene Taguta vechechi yeJohanne Marange Apostolic Church nezuro.

Vachitaura nezviuru zvevanhu zvakaungana papurazi iri, VaMnangagwa vakati nyaya dzezvirango zvakatemerwa nyika hazvisi kuzokanganisa Zimbabwe kugadzirisa hondo yevhu. Vakati hapana kudududza pakupa vatena ivhu.

VaMnangagwa vakarumbidzawo VaTaguta nekurima uye kukohwa pakuru. Vakakurudzirawo vanhu vakaungana papurazi iri kuti vavhotere Zanu-PF.

Vakashanyira Chipinge naVaMnangagwa vanosanganisa mumwe mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvezviwanikwa Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, gurukota rezvekurima VaPerrance Shiri uye gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko VaSupa Mandiwanzira.

VaMandiwanzira vanoti vanhu vekunharaunda iyi vari kurumbidza hurumende nezvirongwa zvekuvabatsira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG