Accessibility links

Breaking News

COPAC Inotanga Zvakare Basa kuManicaland


Vamiriri veparamende pamwe nevamwe vashandi veCOPAC vadzoka kubasa neChishanu kuManicaland. Basa iri rakambomiswa kwemazuva maviri, zvichitevera kusungwa kwemumwe mushandi weCOPAC, izvo zvakapa kuti vamwe vake varamwe basa.

Gurukota rezvebumbiro remutemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vakaenda neChina kwaMutare kunogadzirisa nyaya yanga yanetsa iyi, sezvo basa ranga ramiswa nechiitiko ichi.

Masachigaro maviri eCOPAC kuManicaland, seneta weChimanimani, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe naseneta weMvurachena, VaCephas Makuyana, vanonzi vakanyengetedza seneta weMudzi, VaOriah Kabayanjiri, kuti vabvise nyaya yavainge vakwidza kudare redzimhosva.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau neChina manheru pamuzinda wehurumende maMutare, Amai Mutsvangwa naVaMakuyana vakati VaKabayanjiri vakabvuma kuti nyaya iyi ibviswe kumatare edzimhosva, kuitira kuti basa rekutora pfungwa dzevanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kufambire mberi. Asi muchuchisi wehurumende anoti haasati audzwa kuti nyaya iyi yabviswa mumatare, uye nyakusungwa anotarisirwa kuuya kumatare sezvakatarwa.

Ukuwo sangano reNational Association of Non-governmental Organisations, kana kuti NANGO rinoti zvipingaidzo muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro zvava zvishoma.

Chief Executive Officer veNANGO, VaCephas Zinhumwe, vanoti vanhu vari kuenda kumisangano yeCOPAC kuMatebeleland vave kuwanda, kunyange hazvo vanhu vachine kutya kwakawanda.

Zvichakadaro, zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBritain zviri kusangana muguta reLondon neMugovera kuti vape mapfungiro avo pamusoro penyanya yekunyorwa kwebumbiro idzva.

Sangano riri kutungamira hurongwa uhu, reZimbabwe Diaspora Interface, rinoti richaendesa pfungwa dzevanhu ava kuCOPAC kana vapedza.

XS
SM
MD
LG