Accessibility links

Breaking News

Vamiriri veE-U Vanosangana neKomiti yezveKunyorwa kweBumbiro Idzva


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika yasangana nevamiriri venyika dziri muEuropean Union kuti vajekese mafambisirwo ari kuitwa hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva uhu.

Zvinonziwo vamiriri ava vanga vasiri kufara nemashoko ari kuramba achiburitswa mumapepanhau, zvikuru ehurumende pamusoro pemabasa ari kuitwa nesangano ravo mukubatsira hurongwa uhu.

Mamwe mashoko anonzi asina kufadza vamiri ava ndeekuti sangano ravo rakanga ramisa kupa rubatsiro kuchirongwa ichi nezvikonzero zvekuti iro harisi kubvumidzwa kupindira mukunyorwa kwebumbiro idzva.

Mumwe wemasachigaro ekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, VaDouglas Mwonzora, varambawo mashoko aburitswawo nebepanhau reHerald ekuti komiti yavo yakaramba kusaina gwaro rerubatsiro rwemari rakabva kuUNDP.

VaMwonzora vaudza Studio7 kuti harisi basa rekomiti yavo rekutambira kana kuramba rubatsiro, asi kuti ibasa rehurumende yeZimbabwe.

XS
SM
MD
LG