Accessibility links

Breaking News

VaMavima Vanoti Hapana Dambudziko paNyaya yeMari Dziri Kutambiriswa Vashandi veHurumende


Muzvinafundo Paul Mavima gurukota rezvevashandi

Gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, varamba kuti pane dambudziko remari dzemihoro dziri kutambiriswa vashandi vachiti hurumende yaita zvose zvainokwanisa kuti vatambire mari dziri nani.

VaMavima vashora zvikuru rimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, vachiti riri kushandidswa sembato nevekunze kuda kukonzera kusagadzikana vashandi vakawanda vehurumende vari kuchema chema kuti mari dzavari kutambira hadzisi kukwana uye vamwe vatotanga kuramwa mabasa.

VaMavima vati varairidzi vachangotanga basa vari kutambiriswa mari inosvika pazviuru makumi matatu kana kuti 30 000 RTGS.

Sangano reConsumer Council of Zimbabwe rinoti mhuri yevanhu vatanhatu yave kuda mari inosvika zviru zvina nechimwe zvine mazana maviri nemakumi matatu nemashanu kana kuti RTGS’s 41, 235 pamwedzi kuti ikwanise kurarama zvakanaka.

Asi vachipindura mashoko aVaMavima, munyori mukuru musangano reARTUZ, VaRobson Chere, varamba kuti vari kushandiswa nevekunze vachiti iyi hurumende ndiyo iri kushandiswa neInternational Monetary Fund kudzvinyirira vashandi. Vati mari iri kupihwa varairidzi haikwane zvachose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG