Accessibility links

Breaking News

VaMatonga Vanoti Nyika Haisati Yagadzirira Kuita Nhepfenyura Dzakazvimirira


Vaimbowe mutevedzeri wegurukota rezvekufambiswa kwemashoko, uye vari mumiriri weMhondoro-Ngezi mudare reparamende, VaBright Matonga, vakati nyika haisati yagadzirira kuti ipe marezinesi ekutepfenyura kune vanoda kutanga nhepfenyuro dzavo munyika.

Pari zvino Zimbabwe ine nhepfenyuro yehurumende yeZBC iyo iri kushorwa nevakawanda vachiti inorerekera kudivi reZanu PF chete.

Dzimwe nhepfenyuro dzakaita seSWRAfrica neStudio7 dzinotepfenyura dziri muLondon kuBritain, nemuWashington kuAmerica.

Vachitaura kuvatori venhau mukupera kwesvondo kuBulawayo pakucherechedzwa kweWorld Press Freedom Day, kwakarongwa neMISA-Zimbabwe, VaMatonga, avo vanove nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvenhau nekufambiswa kwemashoko, vanonzi vakati vakaita ongororo pamwe naChief Executive Officer weZimbabwe Media Commission, VaTafataona Mahoso, yakaratidza kuti nyika haikwanisi kuongorora vose vanenge vachitepfenyura kana vakapihwa marezenisi sezvo isina zvinodiwa pakuita basa iri.

Bepanhau repaindaneti, reRadio VOP, rinotiwo VaMatonga vakashoropodza mamwe mapato ezvematongerwo enyika nevamwe vatori venhau vari kuti vanoda kutanga nhepfenyuro vachiti vanhu ava vava kuchemera marezinesi nekuti nyika yatarisana nesarudzo.

Vanonzi vakatiwo vanoda kupiwa marezinesi vanofanirwa kutenga michina inoshandiswa mukuvaongorora mashandiro avo. Studio7 haina kukwanisa kubata VaMatonga kuti vanyatsotsanangura zvavaireva.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko, VaPishai Muchauraya, vaudza Studio7 kuti komiti yavo haina kumbobvira yaita ongororo iri kutaurwa naVaMatonga iyi.

Gweta uye vari nhengo yeZimbabwe Media Commission, VaChris Mhike, vachitaura vakazvimirira, vatiwo zvinosuvisa kuti kune vamwe vanhu vachiri kuramba kuti munyika muve nenhepfenyuro dzinopawo maonero akasiyana nenhepfenyuro dzehurumende.

XS
SM
MD
LG