Accessibility links

Breaking News

VaMatinenga Voramba Kusundwa paNyaya yeBumbiro reMitemo


Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti havasi kuzomhanyiswa kupedza hurongwa hwekunyora bumbiro idzva remitemo yenyika kuitira kuti munyika mugove nesarudzo pakati pegore rino.

VaMatinenga vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu PF, avo vari kuti sarudzo dzichaitwa chete pakati pegore rino, havasi kuzovasunda kuti vabude nechinhu chisina kuibva.

VaMugabe nebato ravo vakabuda nechisungo kumusangano wavo wepagore wakaitwa mwedzi wapera chekuti sarudzo dziitwe pakati pegore rino, izvo zviri kupa kuti pave nefungidziro yekuti vangangoita kuti kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo kuitwe zvechimbi chimbi.

VaMatinenga vanoti harisi bumbiro remitemo chete ringangoita kuti sarudzo dzinonoke kuitwa, sezvo pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa, zvakaita segwaro revavhoti nekutarwa kwematunhu.

XS
SM
MD
LG