Accessibility links

Breaking News

VaMasiiwa Voumba Homwe yeKubatsira Vanachiremba Vari Kuramwa Mabasa


VaStrive Masiiwa

Shoroma uye vari muridzi wekambani yenharembozha yeEconet Wireless VaStrive Masiiwa nemudzimai wavo Amai Tsitsi Masiiwa vati vaumba homwe yemari inosvika mamiriyoni zana yemadhora emuZimbabwe kubatsira vanachiremba vari kuramwa mabasa.

Izvi zviri kuitwa kuburikidza nesangano ravo rinonzi Higher Life Foundation inobatsira muzvinhu zvakasiyana siyana kusanganisira dzidzo muAfrica nedzimwe nyika.

Hatina kukwanisa kubata VaMasiiwa panharembozha yavo.

Asi sachigaro weHealth Service Board Dr Paulinus Sikosana vaudza Studio 7 kuti itaure negurukota rezvehutano Dr Obadiah Moyo avo vanzi nevanoshanda muhofisi mavo vange vari mudare reparamende. Asi veHigher Life Foundation ava vanot Havana kunge vasuma hurumende nezvedanho iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG