Accessibility links

Breaking News

VaMangwana Vanoti Referendamu Ingangoitwa Muna Gunyana


Imwe nhengo yekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCopac, inoti referendamu ingangoitwa muna Gunyana gore rinouya, kwete muna Chikunguru sezvanga zvichitarisirwa.

Mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, uye vari nhengo yeZanu PF, VaPaul Munyaradzi Mangwana, izvi zvinogona kukonzerwa nenyaya yekuti papera mwedzi miviri pasina zviri kuitwa nekuda kwedambudziko remari.

VaMangwana vanoti mari ikauya nekukurumidza, izvi zvinoita kuti basa rekomiti rikurumidze kupera.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazivisa kuti munyika muchaitwa sarudzo gore rinouya, asi mapato eMDC ose ari maviri anoti sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwa chete kana bumbiro idzva remitemo yenyika ravepo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvebumbiro remitemo, VaEric Matinenga, kuti tinzwe kana kana vachiwirirana nezviri kutaurwa naVaMangwana.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hurumende inogona kuwana mari yokomekedza Copac kuti ipedze basa rayo nekukurumidza sezvo zvasara zvisingatore nguva yakareba kuti zvipere.

XS
SM
MD
LG