Accessibility links

Breaking News

VaMangagwa Vosvika muBelarus Kunyangwe Kusagadzikana Kuri Kuenderera Mberi Munyika


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika muBelarus nemusi weChitatu uko vari kutarisirwa kuita musangano nemutungamiri wenyika iyi,VaAlexander Lukashenko, kuPalace of Independence.

VaMnangagwa vari kuenderera mberi nerwendo rwavo kunyika shanu kunyange hazvo muZimbabwe muine mhirizhonga inotyisa yapa kuti vanhu vaurayiwe, mazana vachipfurwa uye vamwe vanodarika mazana maviri vachisungwa.

Vanhu vari kuratidzira kusafara kwavo nekudhura kwezvinhu.

Vachinyora paFacebook peji yavo, VaMnangagwa vati vari kushushikana nemhirizhonga iri munyika vachiti vanonamatira vose vabatwa mairi.

Vanotiwo vanhu vanobvumidzwa kuratidzira chero vachizviita murunyararo.

Vatendawo kuti munyika vanhu vari kushupika asi havana kutaura nezvekushandisa kwemauto kwavari kuita vachiedza kumisa kuratidzira uku.

Vanhu mumadhorobha akawanda munyika vanoti havasisina zvekudya sezvo zvitoro zvakavharwa uye vasiri kubvumidzwa kubuda mudzimba nemauto.

Nhengo zhinji dzemapato anopikisa dzaenda kunohwanda mushure mekunge hurumende yaburitsa mashoko ekuti matororo kana vanopfurikidza mwero.

Vachitaura neStudio 7, mutauriri webato reZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vati vari kuziva kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka asi vakati vanhu vanofanira kupa VaMnangagwa nguva.

Mashoko aVaSimon Khaya Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaKhaya-Moyo vatiwo kuratidzira uku kuri kukonzerwa nebato reMDC Alliance nemamwe masangano akazvimirira uye vachiti vanodzivirira nyika vanofanira kuita izvi kuti bhizimisi rifambe.

Mashoko aVaSimon Khaya Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawo mutauriri webato rinopikisa reMDC, VaJacob Mafume, avo vashora zvikuru zviri kuitwa neZanu-PF ichishandisa mauto.

Vatiwo zvinhu hazvina kugadzikana munyika.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG