Accessibility links

Breaking News

VaMagaya Vokumbira Ruregero kuHurumende neRuzhinji rweZimbabwe


Mufundisi Walter Magaya
Mufundisi Walter Magaya

Mukuru we kereke yeProphetic Healing and Deliverance, VaWalter Magaya, vakakumbira neChina ruregero kuhurumende neveruzhinji rweZimbabwe mumashoko avakataura kutanga kweSvondo rino ekuti vainge vawana mushonga unorapa HIV/Aids negomarara.

Va Magaya vanoti vakabatwa nemufaro muzhinji pamusoro pezvakabuda mutsvakurudzo dzavo nevavanoshanda navo vekambani yeku India mukugadzira mushonga uyu.

Asi vanoti vangadai vakamira kuzivisa nyika kusvika bazi rehutano nehurumende vagutsikana zviri pamutemo.

Bazi rehutano rinoti rave kuita tsvakurudzo dzinodiwa pamutemo kuitira kuti vaone kana mishonga iyi ichishanda sekutaurwa kwazvinoitwa.

Gurukota rezvehutano, Dr Obediah Moyo, nemutevedzeri wavo, Dr John Mangwiro, vakange varipowo pamusangano wevatori venhau VaMagaya vachitsanangura pavamire.

Nyanzvi munyaya dzeHIV /AIDS, Doctor Frenk Guni, vanoti zvakaitwa naVaMagaya imhosva yekunyepera nyika inosungisa. Vanoti hurongwa hwekuti kuzonzi mushonga wapasa hunotora nguva yakakura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG