Vamwe vemapato anopikisa, vemasangano akazvimirira, venyika dzekunze pamwe nemamwe mapazi eUnited Nations vari kubatana mushora zvikuru hurumende yeZimbabwe nekurambidza kwairi kuita vanopikisa nevashandi kuratidzira chinova chinhu chinobvumidzwa nebumbiro remitemo yenyika.
Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaCain Mathema, vari kutsika madziro vachiti vanopikisa, avo vanoda kuratidzira mumatunhu ose, havafanire kuita izvi sezvo vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika.
Vamwe vakarwa muhondo yerusununguko, avo vaimborohwa nekusungwa nemapurisa vachida kuratidzira munguva yaitungamirwa nyika naVaRobert Mugabe, vave kuimba rwumwe rwiyo vachiti vanhu havafanire kuratidzira.
Vanhu ava vanotiwo vanopikisa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, vari kupesvedzerwa nevekunze kuti vaite zvemhirizhonga.
Asi vanopikisa vanoti hapana chinoshamisa nekuti Zanu-PF ine nhoroondo yekutonga nedemo.
Munyori anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti hurumende yanyanya kutyora kodzero dzevanhu uye vanhu vane kodzero yekuratidzira.
Asi nhengo yeZanu PF inomirira Chipinge South mudare reparamende, VaEnock Porusingazi, vanoti vanopikisa vari kungorova bembera zvenhema.
Facebook Forum