Accessibility links

Breaking News

VaMadhuku Vanomiswa Mudare reDzimhosva


Mudare redzimhosva ramejasitireti munonzi mamboita makatanwa neChitatu pakati pemagweta asachigaro weNCA, Professor Lovemore Madhuku, nevachuchisi vehurumende, apo hurumende yanga yoisa nyaya itsva mudare yekupomera VaMadhuku mhosva yekuronga kuratidzira.

Gweta raVaMadhuku, VaAlec Muchadehama, vaudza dare kuti VaMadhuku havangamiswe pamberi pedare redzimhosva nenyaya yavasina kutanga vapomerwa.

VaMadhuku vakanzi vauye kudare nemhosva yavanonzi vakapara muna 2004 yekupinda mukuratidzira kwakaitwa nesangano ravo, uko kwakanga kusina kupiwa mvumo nemapurisa.

VaMadhuku vaudza Studio7 kuti pavamiswa mudare vange vonzi vari kupomerwa mhosva yekuronga kuratidzira, kwete yekupinda mukuratidzira.

Ukuwo, mapurisa mana aive nemvumo yekusecha, kana kuti search warrant, akasecha neChipiri manheru mahofisi esangano rakazvimirira reCrisis in Zimbabwe Coalition muHarare pamwe nekumba kwemukuru wesangano iri, VaMcdonald Lewanika.

Mapurisa aya anonzi akatorawo zvinhu zvinosanganisira mbatya, magwaro eshambadzo nezvimwe. Chiitiko ichi chinotevera kudaidzwa kwakanga kwaitwa VaLewanika nemapurisa kumahofisi avo vachipomerwa mhosva yekuvhiringidza zvinhu.

VaLewanika vakanga vambochengetedzwa nemapurisa mukupera kwesvondo mushure mekunge vapa maT-shirt nezvinyorwa kuvanhu kuChitungwiza.

VaLewanika neChipiri vakazobhadhariswa faindi yemadhora makumi maviri yekubvuma mhosva yavaipomerwa.

Maneja wezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti vanoona izvi sedanho rekuda kushungurudza vemasangano akazvimirira oga vanoonekwa sevanopikisa bato reZanu PF.

XS
SM
MD
LG