Accessibility links

Breaking News

VaLeo Mugabe Vokundikana Kubhadhara Vashandi Papurazi


VaLeo Mugabe muzukuru wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kunetsana nevashandi vari papurazi ravo reNangadza pedyo neMhangura kuMashaonaland West.

Vashandi vanosvika makumi masere nevashanu vanoti havasi kupihwa mari dzavo dzemihoro kubva gore rapera. Vashandi ava vanoti vanofanira kutambira madhora maviri emaRTGS pazuva asi VaMugabe vari kuti havachavape mari sezvo vakavapa nzvimbo yekurima fodya yavo.

Pamutemo wevashandi vemumapurazi vanofanirwa kushandira madhora mashanu emaRTGS dollar pazuva. Mumwe mushandi VaJeremiah Muchongwe vanoti VaMugabe vanechikwereti chavo chinodarika mazana mashanu emadhora vachiti vakada kutaura nezvemari dzavo vanobva vadzingwa papurazi.

Mumwe mushandi VaFelix Chisuvi vanoti vakarimira VaMugabe vachishandisa mafuta emotokari anosvika zviuru zviviri asi havasati vabhadharwawo.

Asi VaMugabe vanobvuma kuti vakapa vashandi vavo nzvimbo yekurima fodya sezvo mari dzemihoro dzavanovapa dziri shoma zvikuru vachiti vashandi vavo vari kufara.

Panyaya yaVaChisuvi, VaMugabe vanoti vainge vasingazive kuti vakashandisa mafuta avo kurima mumunda mavo.

VaMugabe vanoti vakawirirana ndokunyorerana pasi nevamwe vashandi vakaita saVaChisuvi kuti vaizovabhadhara pashoma nepashoma. Vanotiwo vakabvumirana kuti VaChisvuvi vaizopihwa nzvimbo yekurima zvirimwa zvavo senzira yekuripa kuvarimira kwavakavaitira netirakita.

Chimwe chinhu chiri kurwadza vashandi dzecheuti vari kubhadhariswa mari dzekugara papurazi pamwe nekushandisa madhirihora aVaMugabe kupisa fodya yavo vachiti vanofanirwa kushandisa pachena sezvo VaMugabe vawana zviripo.

VaMugabe avo vakambotungamirira boka reZimbabwe Football Association (ZIFA) vari kunetsanawo nevamwe vagari vaviri vakapihwa magwaro enzvimbo mupurazi ravo. Nyaya iyi haisati yapera kutongwa mudare reCivil court muChinhoyi.

Studio 7 yabatawo vanomirira sangano revashandi vemumapurizi reGeneral Agriculture and Plantation Workers' Union of Zimbabwe kana kuti GAPWUZ muMashonaland West Amai Anna Matambanadzo avo vati vashandi vanofanira kumhan’ara nyaya dzakadai kusangano ravo.

Asi vati nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi, vakawanda havasisiri nhengo dzesangano ravo nekuti havakwanise kubhadhara mari shoma inodiwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG