Accessibility links

Breaking News

Vakuru veZMDC neCanadile Vanomiswa Mudare reDzimhosva


Amai Ziyambi vaudza dare kuti hapana kana mari yakawunzwa ne Canadile

Vakuru vakuru vekambani ye Zimbabwe Mining Development Corporation pamwe neveCore Mining and Minerals Resources, vamiswa pamberi pedare neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekushandisa chikiribidi kuti kambani yeCanadile Mining ipihwe mvumo yekuchera mangoda kwaMarange.

Mutungamiri we Core Mining and Minerals Resources, uye vari sachigaro weCanadile, Va Lovemore Kurotwi, pamwe nevamwe vavo vashanu, uye vakambomiswa kubasa kuZMDC vanoti Va Dominic Mubaiwa, VaJohn Muhonde, Amai Gloria Mawarire, Va Aston Sibusiso Ndlovu naVa Mark Tsomondo, vamiswa pamberi pedare vachinzi vakaita chikiribidi kuti kambani ye Canadile ipihwe mvumo yokuchera mangoda kwa Chiadzwa.

Muchuchisi wenyaya iyi, Amai Florence Ziyambi, vaudza dare kuti Va Kurotwi vakanyepera gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, kuti vaikwanisa kubatsirana nehurumende kuti vachere mangoda kwa Chiadzwa asi ivo vasingakwanisi kuita izvi.

Amai Ziyambi vati VaMpofu vakaudza VaKurotwi kuti vataure naVaMubaiwa, izvo zvakapa kuti Va Mubaiwa vaudze Va Kurotwi kuti vaizivana nevekambani yeku South Africa ye Benny Steinmeitz Group Resources kana kuti BSGR.

Zvinonzi Va Kurotwi vakazodzoka kuna Va Mpofu vachiti vaiva vari nhumwa yeBSGR, uye vakamboshanda nekambani iyi kwemakore matatu.

VaKurotwi vanonzi vakaudza VaMpofu kuti vaiva vabatana ne BSGR kuumba kambani ye Candaile uye vaizoisa mari inoita mabhiriyoni maviri emadhora eku America mukucherwa kwemangoda kwaMarange uye zvaizosimudzira hupfumi hwenyika.

Amai Ziyambi vaudza dare kuti hapana kana mari yakaunzwa ne Canadile asi kuti kambani ye Canadile yakazopedzisira yakwereta mari inoita miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu zvemadhora kubva kubhanga re Agribank kuti ikwanise kuchera mangoda kwa Chiadzwa.

Zvichakadai, magweta evakuru vemakambani emangoda aya asvitsa chikumbiro kudare chokuti vasungwa ava vasaiswe pa remand achiti havana mhosva yavakapara sezvo vari kuita basa ravo zvakanaka kwaMarange.

Magweta aya, ayo anga achitungamirwa naVa George Chikumbirike, ati vasungwa vanga vasingafanirwe kumiswa pamberi pedare sezvo hurumende yakatyora mutongo wakaturwa nedare repamusoro nemusi weMugovera wekuti vanhu ava vamiswe pamberi pedare musi mumwe chetewo.

Izvi zvarambwa nemutongi wedare, Va Mishrod Guvamombe, vachiti zvaisakwanisika kuti vasungwa ava vaunzwe kudare sezvo mutongo wedare repamusoro wakaturwa nguva yapera neMugovera wacho.

Asi Amai Ziyambi vati havana kugadzirira mhinduro yavo panyaya yokuti mhosva iri kupomerwa vasungwa ava yoraswa here kana kuti kwete, zvabva zvaita kuti mutongi wedare ati vasungwa ava varare mujeri.

Nyaya iyi ichaenderera mberi mangwana.

Vachipawo pfungwa dzavo munyaya yekusungwa kwevakuru veCanadile pamwe neZMDC, gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, Va Tinoziva Bere, vanoti kusungwa kwevakuru ava kunoratidza huori nekutadza basa kwehurumende.

XS
SM
MD
LG