Vamwe vakuru vechechi yeAnglican kuBritain, vanoti Archbishop Rowan Williams, pamwe naArchbishop John Sentamu, vashoropodza zvikuru mapurisa emuHarare nekumbunyikidza kwaaakaita vatenderi veAnglican vari pasi peChurch of the Province of Central Africa (CPCA), inotingamirwa naBishop Chad Nicholas Gandiya, vachivatadzisa kupinda svondo mukupera kwezororo rekisimusi.
Vatungamiri vaviri ava vati zvinonyadzisa nekurwadza kuti vatenderi vakatadziswa kupinda svondo inova yoga inovapa nguva kubva kumatambudziko akatarisana nenyika yavo.
Mutauriri waBishop Nolbert Kunonga, VaAlfred Munyanyi vaudza Studio 7 kuti VaKunonga vacharamba vakaruma pavamire pekuti ndivo mukuru muchechi iyi.
Vachitaurirawo divi rekwa VaGandiya, Baba Paul Gwese vati vatenderi veCPCA havasi kuzorega VaKunonga vachitiza nechechi yavo.
Ukuwo, nyanzvi munyaya dzezvematongerwe enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vati nyaya yechitendero cheAnglican yanetsa nekuti yapinzwa mune zvematongerwo enyika.