Accessibility links

Breaking News

Vakoti Vari paMudyandigere Votsvagirwa Mari yeKuti Vadzoke Kuzobatsira Kubaya Nhomba yeCovid-19


Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangawana vachinyora padandemutande ravo reTwitter vati dare remakutukota nemusi weChipiri rakati richaongorora mari dziri kupihwa vari kubaya nhomba senzira yekukwezva vamwe kuti vaite basa iri.

Vakatiwo Health Services Board yakanyora tsamba kubazi rezvemari kuti ipihwe mari yekupa vakoti vari pamudyandigere vari kuda kunzi vabatsire mukubaya vanhu nhomba sezvo bazi rezvehutano riine vashandi vashoma.

Dare remakurukota iri rakapawo mvumo makirinika nezvipatara zvakazvimirira kuti zvitange kubaya nhomba pachena zvozopihwa mari yevanenge vaita basa racho chete nehurumende.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vabayiwa nhomba kekutanga vave miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu nemakumi manomwe nevana zvine mazana manomwe negumi kana kuti 1, 677, 710.

Vabayiwa nhomba kechipiri sezviri kukurudzirwa vave zviuru mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevasere nemazama masere nemakumi masere kana kuti 798, 880. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kudzivirira kupararira kwechirwere ichi

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti neChipiri vanhu makumi mashanu nevaviri(52) vakafa nechirwere cheCovid-19. Izvi zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera hwave zviuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi matatu nevashanu kana kuti 3,635.

Vamwe chiuru chimwe chete nemazana matatu nevapfumbamwe kana kuti 1, 309 vakabatwawo nechirwere ichi nemusi weChipiri wakare, zvichisiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi vave zviuru zana negumi zvine mazana masere nemakumi mashanu nemashanu kana kuti 110, 855.

Vanhu zviuru zviviri nemazana manomwe nemakumi mashanu nemashanu kana 2 755 zvasiya vapora kubva gore rapera vave zviuru makumi manomwe nemapfumbamwe nemazana mana nemakumi maviri kana kuti 79, 420.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG