Accessibility links

Breaking News

Vakoti Vanoti Voremerwa neMutoro weVarwere veCovid-19


Vanachiremba nevakoti vanoti zvinhu hazvichina kumira zvakanaka muzvipatara nemakirinika sezvo huwandu hwevanhu vari kurwara neCovid-19 huri kuramba huchiwedzera zvakanyanya zuva nezuva.

Vachitaura nemusi weChipiri mushure memusangano wedare remakurukota, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati hurumende iri kuyedza kutsvaga zvikwanisiro uye vamwe vashandi vemuzvipatara kuti vabatsire vachitendawo kuti huwandu hwevanhu vari kurwara neCovid-19 vachida kupinda muzvipatara hwawedzera zvakanyanya.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti izvi zvakonzerwa nekupararira kwemhando yeCovid-19 inonzi Delta variant iyo inotapuriranwa zviri nyore uye ichiuraya nenguva pfupi pfupi. Mhando iyi yakatanga kuonekwa kuIndia muna Gumiguru gore rapera.

Bazi rezvehutano rinoti kusvika nemusi weChitatu vanhu zviuru makumi maviri nezvina zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu kana kuti 24, 996 ndivo vari kurwara neCovid-19 parizvino.

Asi pavanhu ava kusvika musi weChipiri vanhu mazana masere nemakumi masere nevatatu kana kuti 883 ndivo vainge vari muzvipatara. Asi bazi rezvehutano rinoti zvimwe zvipatara zvakaita seInyathi kuMasvingo nezvipatara zvekuMatabelaland North neMidlands zvange zvisina kuzivisa huwandu hwevari kurwara vari muzvipatara.

Vamwe vanachiremba vaudzawo Studio7 kuti kuBulawayo kuwana mweya wekufema kuri kumbonetsa zvopa kuti zvinhu zviome zvakanyanya vamwe vachirasikirwa nehupenyu.

Mutungamiri wesangano revakoti reZimbabwe Nurses Association, VaEnoch Dongo, vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo vanhu vakawanda vobatwa nechirwere uye zvave kuremera vakoti.

Vati vakoti vashoma uye vari munjodzi yekutapurirwa chirwere sezvo vasina zvikwanisiro zvakakwana.

Hurukuro naVaEnoch Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG