Accessibility links

Breaking News

VaKazembe Voendeswa kuMatare Kuti Varipe Mumwe Mudzimai Mamiriyoni Matatu eMadhora


VaKazembe Kazembe

Mumwe mudzimai wekuBulawayo ane makore makumi matanhatu nematatu ekuberekwa aendesa kumatare gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe nemukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, mushure mekunge arohwa zvakaipisisa nemumwe mupurisa panguva yekumbonzi vanhu vagare mudzimba kana kuti lockdown gore rapera.

Mudzimai uyu Amai Lydia Chapalapata vanoti vakarohwa vachitenga hupfu uyevanoda mari inosvika mamiriyoni matatu emadhora emunyika.

Hatina kukwanisa kubata VaKazembe kana mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Mutauriri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio7 kuti nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu nemapurisa dziri kuramba dziwedzera mumatunhu ose enyika.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG