Accessibility links

Breaking News

VaKazembe naVaMatanga Voripiswa Kurohwa Kwakaitwa Gogo Chinyerere Vachiratidzira muHarare


Mutongi wedare ramejastiriti muHarare Amai Victoria Mashamba nemusi weMuvhuro vakatura mutongo wekuti gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe uye mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga varipe Amai Lillian Chinyerere mari inosvika zviuru zana nemakumi manomwe nemashanu kana kuti RTGS$175 000.

Gogo Lillian Chinyerere
Gogo Lillian Chinyerere

Izvi zvinotevera kurohwa kwakaitwa Amai Chinyerere nemapurisa paAfrica Unity Square apo vairatidzira murunyararo musi wa16 Nyamavhuvhu, 2019.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti havasati vanyotsopirwa nyaya iyi zvizere nekudaro parizvino hapana chavangataure.

Asi mutauriri wesangano remagweta rezimbabwe lawyers for human rights vakumbirai mafunda vati vafara nemutongo uyu sezvo zviri pachena kuti Amai Chinyerere vakatyorerwa kodzero yavo iri mubumbiro remitemo yekuratidzira murunyararo.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG