Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votenda America neKuzvipira Kuramba Ichitsigira Chirongwa cheMandela Washington Fellowship


VaBarack Obama uye mushakabvu Nelson Mandela
VaBarack Obama uye mushakabvu Nelson Mandela

Vechidiki vakawanda munyika vatambira nemufaro danho rakatorwa nedare reHouse of Representatives kuAmerica nemusi weChitatu rekupasa bhiri rekusimbaradza kudyidzana kweAmerica neAfrica kuburikidza nechirongwa che Mandela Washington Fellowship for Young African Leaders kana kuti YALI.

Vachitaura mushure mekupasa kwebhiri reYoung African Leaders Initiative Act of 2021, H.R.965, nemusi weChitatu, Amai Karen Bass, sachigaro vekomiti yedare reHouse of Representatives inoona nezve Africa, ichitarisa nyaya dzehutano nekodzero dzevanhu vakati bhiri iri rinoenderana nezvinangwa zvemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden zvekusimbaradza kudziyana kwenyika yavo neAfrica.

Amai Bass vanoti vanotarisira kushanda nevamwe vavo kuti bhiri ripase muSeneti kuti VaBiden varisaine kuti rive mutemo.

Vamwe vakambopinda muchirongwa ichi vakaita saMuzvare Faith Ndhlovu, vaudza Studio 7 kuti vanofara kuti chirongwa ichi chave kuzovepo zvachose.

VaVivid Gwede avo vakapinda pachirongwa ichi muna 2015 vati chakakosha chose sezvo chichipa mukana kuvana veZimbabwe neAfrica kuti vadzidze mafambisirwe anoitwa zvinhu kuAmerica pamwe nedzimwe nyika.

Mutungamiriri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ, VaObert Masaraure avo vakapindawo muchirongwa ichi muna 2016, vaudza Studio 7 kuti vanofara nezvakaitwa

Vati kunze kwekusimbaradza kudyidzana kwevana vemuAfrica neAmerica, chirongwa ichi chino simbaradzawo kudyidzana kwevatungamiri vechidiki vemuAfrica vanenge vapinda muchirongwa ichi.

Vanoti kusvika nhasi vari kudzidza zvakawanda kubva kune vamwe vavakapinda nawo muchirongwa ichi.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku vatiwo vazhinji vavanoziva vakapinda muchirongwa ichi vasimukira zvikuru mumabasa avo.

Chirongwa cheYALI chakaparurwa muna 2010 nevaive mutungamiri wenyika VaBarack Obama kutsigira vatungamiriri vechidiki muAfrica munyaya dzehutongo hwejekerere, runyararo, budiririo nezvimwe.

Young African Leaders Initiative Act inosungira bazi reAmerica rinoona nekudyidzana nedzimwe nyika reState Department kuti ritsigire YALI zvachose kuti Africa ive nevatungamiri vemangwana vane nehunyanzvi hwakadzama.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumuzinda hweAmerica muZimbabwe pamusoro penyaya iyi.

YALI ndechimwe chezvirongwa zvinoitwa neAmerica muZimbabwe zvakaita seInternational Visitors Leadership Program neUnited States Achievers Program zvekusimudzira vachidiki muZimbabwe.

Gore rino nekuda kwekutyira kupararira kwechirwere cheCovid-19, vechidiki vachapinda muchirongwa cheMandela Washington Fellowship vachadzidziswa kuburikidza nedandemutande reInternet vari kunyika dzavo zvasiyana nakare apo vaiuya kuAmerica.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG