Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voteerera Kurudziro yeKugara Kumba muHarare, Masvingo, Chinhoyi neMamwe Madhorobha


Guta reHarare nemusi weMuvhuro
Guta reHarare nemusi weMuvhuro

Veruzhinji muHarare vatevedzera kurudziro yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa yekuti vagare kumba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere che coronavirus.

Chirwere checovid19, icho chakatangira kuguta reWuhan kuChina. Bazi rezvehutano raudza Studio 7 kuti vanhu vanodarika mazana maviri vaongororwa kuti vane chirwere ichi here munyika asi vanomwe ndivo vakabatwa nacho kusvika parizvino. Munhu mumwe chete ndiye akashaya. Vamwe vose vanonzi vari nani zvavo uye havasi munjodzi.

Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vafa nechirwere ichi pasi rose vave kudarika zviuru makumi matatu nemashanu uye sangano iri rinoti chirwere ichi chiri kupararira nekukasika.

Mumwe mugari wemumusha unogara veruzhinji weMbare, VaFarai Mwaera vati danho rakatorwa nehurumende idanho rakanaka zvikuru vachiti danho iri rinobatsira kuti kuti chirwere cheCovid19 chisapararire.

Mumwe mushandi wekanzuru yeHarare uyo anga achitsvaira marara pamusika unokwirirwa mabhazi paMbare pakare, VaWonder Chiromba, vati kugara nzvimbo dzese dzakashambidzika kunobatsirawo mukurwisa chirwere ichi.

VaEphraim Dodo vanorarama nekutengesa zvirimwa mumusika weMbare vati nguva yakatarwa nehurumende yakareba zvikuru sezvo vachiti vanotokwanisa kuisa mumuromo zvavanenge vashanda musi iwoyo.

Kunyange hazvo zvimwe zvitoro zvinotengesa zvekudya zvanga zvakavhurwa pakati pedhorobha, mumwe anoshandira mudhorobha, VaTendai Khona, vati zvitoro zvanga zvakavhura zvanga zviri zvishoma uye zvishoma zvanga zvakavhura zvanga zvakwidza mitengo.

Vamwe vanorarama nekutengesa, VaClemence Sithole, vati vaswera vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa pavanga vachitengesera matapiri avo mumotokari yavo vachiti hapana zvavangaite nekuti vana vavo vangaziye nenzara.

Izvi zvinouya apo mutungamiri wesangano revezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vakurudzira vezvitoro kuti vasakwidze mitengo yezvinhu zvisina mwero.

Vamwe vakaita saVaJames Nyazira vachiti vamukira kubhanga kunotora mari kuti vawane kutenga zvokudya kwemazuva ari kutevera asi hapana bhanga ranga rakakvhurwa.

Asi gavhuna webhanga guru renyika VaJohn Mangudya vaudza Studio 7 parunhare kuti veruzhinji vanofanira kushandisa makadhi mukutenga muzvitoro pamwe nemari dzemumafoni vachiti kuti mabhanga avhurwe zvinoita kuti vanhu vaungane izvi zvisiri kukurudzirwa nehurumende.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vaudza Studio 7 parunhare kuti vafara kuti vanhu vatevedzera kurudziro yehurumende vachiti kusaungana kunoderedza mukana wekuti vanhu vabatire chirwere cheCovid-19.

Asi vamwe vanhu vaonekwa vakaungana mune zvimwe zvitoro vari mumitsetse yekutenga zvinhu zvakaita sehupfu.

Mabhazi eZupco anga achifambawo achitakura vanhu vakanzi nehurumende vauye kubasa vanosanganisira vashandi vemuzvipatara, mapazi ehurumende, vanoshanda muzvitoro zvinotengesa mishonga nevanoshanda muzvitoro.

Zvichakadaro, vanhu vakawanda vateerera kuridziro yekuti vasabude panze munzvimbo dzakaita seChinhoyi, Marondera ne Masvingo uko kwanzi kwange kuine mauto achibatsirana nemapurisa kukurudzira vanhu kuti vabude mumugwagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG