Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshaya Mari Itsva Yainge Yavimbiswa neRBZ


Vanhu vakawanda vafumobata jongwe muromo vachienda kumabhanga netarisiro yekuwana mari sevimbiso yebanga guru renyika asi vafambira dhongi rakaora.

Ongororo yaitwa neStudio 7 kumabhanga akasiyana siyana muHarare, Bulawayo, Chinhoyi, Masvingo, Mutare, Gweru nemamwe maguta yaratidza kuti hakuna mabhanga awana mari itsva iyi uye mabhanga mazhinji anga asina mari yekupa vanhu kana tsaru yacho.

VaJossam Marwira mumwe wevamukira kubhanga vati vaswera vakamirira vaine tarisiro yekuwana mari sezvo vaive vanzwa munhau kuti kuchawedzerwa mari itsva.

VaMarwira vati vanonyanyoshungurudzwa nekutenga mari mumigwagwa vakati zvinganakire vanhu vakaita saivo vakakwanisa kuwana mari kumabhanga pasina muripo.

Mumwe murume anotenga nekutengesa mari mumugwagwa aramba kudomwa nezita audzawo Studio 7 kuti anga akatarisirawo mari itsva iyi asi hapana chaaona.

Bhanga guru renyika reRBZ munguva pfupi yapfuura raive razivisa kuti richaisa mari itsva netarisiro yekurerutsa matambudziko emari munyika.

Gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya vakazivisa kuti vachaisa mari yemabond yendarama yemadhora maviri pamwe nemari yebepa yemadhora maviri nemashanu iyo yanga ichitarisirwa kutanga kushanda nhasi.

Mutungamiriri weBankers Association of Zimbabwe VaWebster Rusere vatiwo vanga vasati vaongorora kuti kune mabhanga anga awana mari iyi vachiti RBZ ndiyo ingave neruzivo.

Nyaya yekuunza mari itsva iri kukonzera kusawirirana munyika vamwe vachiti ichabatsira vanhu varfi kunetsekana nemari asi vamwe vachiti kutungana kwembudzi.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG