Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muNyika Votarisira Kudomwa kweDare reMakurukota


Makurukota e mu Zimbabwe
Makurukota e mu Zimbabwe

Zvichitevera kutoreswa mhiko kwaVaEmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika, nyika yamirira kudomwa nekugadzwa kwe vatevedzeri vavo uye makurukota emapazi akasiyana siyana muhurumende.

Mashoko atiri kutambira anoti vatevedzeri vemutungamiri wenyika vanogona kutoreswa mhiko nemusi weChina mutungamiri wenyika asati aenda kunyika yeChina kumusangano wekudyidzana kweAfrica neChina weForum on China–Africa Cooperation.

Asi mubvunzo mukuru ndewekuti kune makurukota here anoshanda asati agadzwa uye vatevedzeri vemutungamiri wenyika vanoramba varipo pazvigaro here kana kuti vanomirira kudomwa patsva vozotanga basa zviri pamutemo?

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, nemitemo dzinoti pane zvinotarisirwa kuti zviitwe pabumbiro remutemo wenyika.

Gweta vari mmunyori wezvemutemo muZanu-PF, VaPaul Mangwana vanoti parizvino hurumende inongori nemutungamiriri mumwechete anova VaMnangagwa kusvika vagadza vatevedzeri vavo nemakurukota sezviri pamutemo.

Mukuru we sangano reElection Resource Center, VaTendai Chimhini vaudza Studio 7 kuti vari kutoshamisikawo nemakurukota anonzi ari kutoita basa rehurumende sezvo makurukota nevatevedzeri vemutungamiri wenyika vanomira basa musi unogadzwa mutungamiriri wenyika mutsva.

Gweta, rinorwira kodzero dzevanhu, vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vanoti kushanda kwe vatevedzeri vemutungamiri wenyika nemakurukota kunofanirwa kumiswa kusvika VaMnangagwa vadoma vatevedzeri vavo nemakurukota matsva.

Vati vanyori mumapazi ehurumende ndivo vanofanirwa kufanobata matomu kusvika izvi zvaitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG